Mambo akabvunza akati, “Ko, muzukuru watenzi wako aripi?” Zibha akati kwaari, “Ari kugara muJerusarema, nokuti anoti iye, ‘Nhasi veimba yaIsraeri vachandidzorera umambo hwasekuru vangu.’ ”