Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Samueri 14:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino Joabhu mwanakoma waZeruya akaziva kuti mwoyo wamambo wakanga woshuva Abhusaromu.

2. Saka Joabhu akatuma munhu kuTekoa kuti andouya nomukadzi akanga akachenjera kubva ikoko. Akati kwaari, “Ita somunhu ari pakuchema. Upfeke nguo dzokuchema uye usazvizora mafuta. Uite somukadzi ava namazuva akawanda ari pakuchema vakafa.

3. Ipapo ugoenda kuna mambo undotaura mashoko aya kwaari.” Uye Joabhu akaisa mashoko mumuromo make.

4. Mukadzi akabva kuTekoa akati asvika kuna mambo, akawira pasi nechiso chake, kuri kupa rukudzo, akati, “Ndibatsireiwo, nhai mambo!”

5. Mambo akamubvunza akati, “Watambudzwa neiko?” Iye akati, “Zvirokwazvo ndiri chirikadzi; murume wangu akafa.

6. Zvino ini muranda wenyu ndakanga ndina vanakomana vaviri. Vakarwa vari vaviri musango, uye hapana aivapo kuti avarandutsire. Mumwe akarova mumwe uye akamuuraya.

7. Zvino mhuri yose yamukira murandakadzi wenyu. Vari kuti, ‘Tipei uyo akauraya munun'una wake, kuti timuuraye nokuda kwoupenyu hwomunun'una wake, kuti timuuraye nokuda kwoupenyu hwomunun'una wake waakauraya; kunyange tichizobvisa mudyi wenhaka zvakare.’ Saka vachadzima zimbe rangu rimwe ranga rasara, vakasasiyira murume wangu zita kana rudzi panyika.”

8. Mambo akati kumukadzi, “Enda hako kumba kwako, ini ndicharayira shoko pamusoro pako.”

9. Asi mukadzi weTekoa akati kwaari, “Ishe wangu mambo, mhosva ngaive kwandiri nokuimba yababa vangu, uye mambo nechigaro chake choushe ngazvirege kuva nemhosva.”

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Samueri 14