Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Makoronike 9:28-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

28. Mabhiza aSoromoni akanga atengwa kubva kuIjipiti nokubva kune dzimwe nyika.

29. Mamwe mabasa okutonga kwaSoromoni kubva kwokutanga kusvika kwokupedzisira, haana kunyorwa here mubhuku renhoroondo yomuprofita Natani, mashoko akaprofitwa naAhija muShironi nomuzviratidzo zvaIdho muoni pamusoro paJerobhoamu mwanakomana waNebhati?

30. Soromoni akatonga muJerusarema pamusoro peIsraeri yose kwamakore makumi mana.

31. Ipapo akazorora namadzibaba ake uye akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake. Uye Rehobhoamu mwanakomana wake akamutevera paumambo.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Makoronike 9