Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Makoronike 9:20-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Mikombe yose yokunwa nayo yaMambo Soromoni yaiva yegoridhe, uye zvose zvomumba zvaiva muMuzinda weSango reRebhanoni zvaiva zvegoridhe yakaisvonaka. Hapana chakanga chakagadzirwa nesirivha, nokuti pamazuva aSoromoni sirivha yaionekwa seisina basa.

21. Mambo aiva nezvikepe zvokushambadzira zvaienda kunzvimbo dzakasiyanasiyana zvaifambiswa navanhu vaHurami. Kamwe chete mumakore matatu zvaidzoka zviine goridhe, sirivha, nyanga dzenzou netsoko namakudo.

22. Mambo Soromoni akanga ari mukuru kwazvo muupfumi nouchenjeri kupfuura madzimambo ose enyika.

23. Madzimambo ose aitsvaga kutaura naSoromoni kuti vanzwe uchenjeri hwakanga hwaiswa naMwari mumwoyo make.

24. Gore negore vose vaiuya nezvipo midziyo yesirivha nezvegoridhe, nenguo, zvombo zvokurwa nazvo nezvinonhuwira, namabhiza nembongoro.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Makoronike 9