Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Makoronike 9:17-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Ipapo mambo akagadzira chigaro chikuru choushe nenyanga dzenzou uye akachifukidza negoridhe rakaisvonaka.

18. Chigaro ichi chakanga chine zvikwiriso zvitanhatu nechitsiko chetsoka chegoridhe chakanga chakabatana nechigaro ichi. Kumativi ose echigaro kwaiva nezvitsigiro zvamaoko, neshumba yakamira parutivi pechimwe nechimwe chazvo.

19. Shumba gumi nembiri dzakanga dzakamira pazvikwiriso zvitanhatu, imwe chete kumucheto kwechikwiriso chimwe nechimwe. Hakuna zvakaita seizvi zvakanga zvambogadzirirwa humwe umambo.

20. Mikombe yose yokunwa nayo yaMambo Soromoni yaiva yegoridhe, uye zvose zvomumba zvaiva muMuzinda weSango reRebhanoni zvaiva zvegoridhe yakaisvonaka. Hapana chakanga chakagadzirwa nesirivha, nokuti pamazuva aSoromoni sirivha yaionekwa seisina basa.

21. Mambo aiva nezvikepe zvokushambadzira zvaienda kunzvimbo dzakasiyanasiyana zvaifambiswa navanhu vaHurami. Kamwe chete mumakore matatu zvaidzoka zviine goridhe, sirivha, nyanga dzenzou netsoko namakudo.

22. Mambo Soromoni akanga ari mukuru kwazvo muupfumi nouchenjeri kupfuura madzimambo ose enyika.

23. Madzimambo ose aitsvaga kutaura naSoromoni kuti vanzwe uchenjeri hwakanga hwaiswa naMwari mumwoyo make.

24. Gore negore vose vaiuya nezvipo midziyo yesirivha nezvegoridhe, nenguo, zvombo zvokurwa nazvo nezvinonhuwira, namabhiza nembongoro.

25. Soromoni akanga ane zvidyiro zvamabhiza nengoro, zviuru zvina, namabhiza zviuru gumi nezviviri zvaaichengetera mumaguta engoro nemuJerusarema maaiva.

26. Aitonga madzimambo ose kubva kuRwizi kusvika kunyika yavaFiristia kusvikira kumuganhu neIjipiti.

27. Mambo akaita kuti sirivha iwanikwe pose pose samatombo muJerusarema uye misidhari kuti iwande semionde yemisikamo mujinga mamakomo.

28. Mabhiza aSoromoni akanga atengwa kubva kuIjipiti nokubva kune dzimwe nyika.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Makoronike 9