Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Makoronike 8:3-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Ipapo Soromoni akaenda kuHamati Zobha, akandorikunda.

4. Akavaka Tadhimori murenje namaguta ose okuchengetera zvinhu aakavaka muHamati.

5. Akavaka patsva Bheti Horoni Yokumusoro neBheti Horoni Yezasi samaguta akakomboredzwa namasvingo namasuo namazariro,

6. pamwe chete naBhaarati namaguta ake okuchengetera ose namaguta ose engoro dzake namabhiza ake, zvose zvaida kuvakwa muJerusarema muRebhanoni nomunyika yose yaaitonga.

7. Vanhu vose vakasiyiwa kubva kuvaHiti, vaAmoni, vaPerizi, vaHivhi navaJebhusi (vanhu ava vakanga vasiri vaIsraeri)

8. zvichireva kuti vana vavo vakasara munyika, avo vasina kuparadzwa navaIsraeri, ava Soromoni akavatora kuti vave vashandi vake vechibharo sezvazviri nanhasi.

9. Asi Soromoni haana kuita vaIsraeri nhapwa kuti vamuitire basa rake; vaiva varwi vake, vatungamiri vavakuru vamapoka, uye vatungamiri vengoro navachairi vengoro.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Makoronike 8