Basa rose rakaitwa naSoromoni patemberi yaJehovha rakati rapera, akauyisa zvinhu zvakanga zvakakumikidzwa nababa vake Dhavhidhi, zvesirivha negoridhe nemidziyo yose akazviisa mudzimba dzokuchengetera dzetemberi yaMwari.