Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Makoronike 4:7-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Akagadzira zvigadziko zvemwenje gumi zvegoridhe, sokurayirwa kwazvakanga zvaitwa akazviisa mutemberi, zvishanu akaisa zasi zvishanu kumusoro.

8. Akagadzira tafura gumi akadziisa mutemberi, shanu zasi uye shanu kumusoro. Akagadzirawo mbiya dzegoridhe zana dzokusasa.

9. Akagadzira chivanze chavaprista, nechivanze chikuru nemikova yechivanze uye akafukidza mikova nendarira.

10. Akaisa Gungwa kudivi rezasi, pakona yezasi yakadziva kumabvazuva.

11. Akagadzirazve hari nefoshoro nembiya dzokusasa. Saka Hurami akapedza basa raakaitira mambo Soromoni mutemberi yaMwari sezvinotevera:

12. mbiru mbiri; misoro miviri yakanga yakaumbwa sembiya pamusoro pembiru.

13. Matamba mazana mana emimbure miviri nemimwe yakanga yakashongedza misoro yakanga yakaumbwa sembiya pamisoro yembiru;

14. zvigadziko namadhishi azvo;

15. Gungwa nehando gumi nembiri pasi paro;

16. hari, foshoro, forogo dzenyama, nemimwe midziyo yose. Zvinhu zvose zvakagadzirwa naHurami-Abhi zvamambo Soromoni zvetemberi yaJehovha zvaiva zvendarira inobwinya.

17. Mambo akaita kuti zviumbwe nevhu mubani reJorodhani pakati peSukoti neZaretani.

18. Zvinhu izvi zvose zvakagadzirwa naSoromoni zvakanga zvakawanda kwazvo zvokuti uremu hwendarira yakashandiswa hwakanga husingaverengeki.

19. Soromoni akagadzirazve midziyo yose yakanga iri mutemberi yaMwari yaiti: aritari yegoridhe; tafura dzaiva nechingwa choKuvapo;

20. zvigadziko zvemwenje zvegoridhe nemwenje yazvo kuti ipfute pamberi penzvimbo tsvene yomukati sezvakarayirwa;

21. maruva egoridhe nemwenje nembato (dzaiva dzegoridhe chairo);

22. zvidzimiso zvemwenje, mbiya dzokusasa, madhishi nezvaenga zvomoto zvegoridhe yakaisvonaka namakonhi egoridhe, etemberi: makonhi omukati yapaNzvimbo Tsvene-tsvene namakonhi eimba huru.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Makoronike 4