Hirikia naavo vakatumwa naro namambo vakaenda kundotaura nomuprofitakadzi Huridha, uyo aiva mukadzi waSharumi mwanakomana waTobhati mwanakomana waHazira muchengeti wenguo. Aigara muJerusarema, muDunhu reChipiri.