Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Makoronike 33:9-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Asi Manase akatungamirira Judha navanhu veJerusarema mukurasika, zvokuti vakaita zvakatonyanya kuipa kupfuura ndudzi dzose dzakanga dzaparadzwa pamberi pavaIsraeri.

10. Jehovha akataura naManase navanhu vake, asi ivo havana kuteerera.

11. Saka Jehovha akauyisa vatungamiri vehondo yavaAsiria kuzovarwisa vakatora Manase somusungwa, vakaisa chikokovonho mumhino yake, vakamusunga nengetani dzendarira vakaenda naye kuBhabhironi.

12. Mukutambudzika kwake akatsvaka Jehovha Mwari wake akazvininipisa kwazvo pamberi paMwari wamadzibaba ake.

13. Uye paakanyengetera kwaari, Jehovha akasundwa nokuzvininipisa kwake akateerera kudemba kwake. Saka akamudzosa kuJerusarema uye kuumambo hwake. Ipapo Manase akaziva kuti Jehovha ndiMwari.

14. Mushure maizvozvi akavakazve rusvingo rwokunze rweGuta raDhavhidhi, kumavirira kwechitubu chepaGihoni mumupata, kusvika pavanopinda napo paSuo reHove akakomberedza chikomo chaOferi; akachiitawo kuti chinyanye kukwirira. Akamisa vakuru vehondo mumaguta ose ane masvingo muJudha.

15. Akaparadza vamwari vose vedzimwe nyika akabvisa chifananidzo kubva mutemberi yaJehovha nearitari dzaakanga avaka pachikomo chetemberi nomuJerusarema akadzikanda kunze kweguta.

16. Ipapo akavakazve aritari yaJehovha akabayira zvipiriso zvokuwadzana nokuvonga pairi. Uye akataurira Judha kuti ishumire Jehovha, Mwari weIsraeri.

17. Zvisinei, vanhu vakaramba vachibayira panzvimbo dzakakwirira, asi kuna Jehovha Mwari wavo chete.

18. Zvimwe zvakaitwa naManase panguva yokutonga kwake, kusanganisira munyengetero wake kuna Mwari wake, namashoko akataurwa navaoni kwaari muzita raJehovha Mwari waIsraeri, zvakanyorwa munhoroondo dzamadzimambo eIsraeri.

19. Munyengetero wake uye kuti Mwari akasundwa sei nokuzvininipisa kwake, nezvivi zvake zvose nokusatendeka kwake, nenzvimbo dzaakavakira nzvimbo dzakakwirira nokumisa matanda aAshera nezvifananidzo asati azvininipisa, zvose zvakanyorwa munhoroondo dzavaoni.

20. Manase akazorora namadzibaba ake akavigwa mumuzinda wake. Uye Amoni mwanakomana wake akamutevera paumambo.

21. Amoni akanga ava namakore makumi maviri namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore maviri.

22. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa naManase baba vake. Amoni akashumira uye akapa zvibayiro zvakanga zvagadzirwa naManase.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Makoronike 33