Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Makoronike 33:19-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Munyengetero wake uye kuti Mwari akasundwa sei nokuzvininipisa kwake, nezvivi zvake zvose nokusatendeka kwake, nenzvimbo dzaakavakira nzvimbo dzakakwirira nokumisa matanda aAshera nezvifananidzo asati azvininipisa, zvose zvakanyorwa munhoroondo dzavaoni.

20. Manase akazorora namadzibaba ake akavigwa mumuzinda wake. Uye Amoni mwanakomana wake akamutevera paumambo.

21. Amoni akanga ava namakore makumi maviri namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore maviri.

22. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa naManase baba vake. Amoni akashumira uye akapa zvibayiro zvakanga zvagadzirwa naManase.

23. Asi haana kuzoita sababa vake, haana kuzvininipisa pamberi paJehovha. Amoni akawedzera mhosva yake.

24. Makurukota aAmoni akarangana akamuuraya mumuzinda wake.

25. Ipapo vanhu venyika yose vakauraya vose vakanga varangana kuuraya mambo Amoni. Vakaita Josia mwanakomana wake mambo panzvimbo yake.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Makoronike 33