Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Makoronike 32:29-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

29. Akavaka misha uye akatenga makwai nemombe zhinji nokuti Mwari akanga amupa pfuma yakawanda.

30. Hezekia ndiye akavhara mvura yaibuda muchitubu chepaGihoni ichiyerera nokumusoro akaivhurira kuti iende nezasi kumavirazuva kweGuta raDhavhidhi. Akabudirira mune zvose zvaiita.

31. Asi pakatumwa nhume navatongi veBhabhironi kuti vamubvunze pamusoro pechiratidzo chechishamiso chakanga chaitika munyika, Mwari akamusiya kuti amuedze uye kuti azive zvose zvaiva mumwoyo make.

32. Zvimwe zvakaitwa naHezekia panguva yokutonga muchiratidzo chomuprofita Isaya mwanakomana waAmosi mubhuku ramadzimambo eJudha neIsraeri.

33. Hezekia akazorora namadzibaba ake akavigwa pachikomo pane makuva ezvizvarwa zvaDhavhidhi. Judha yose navanhu veJerusarema vakamuremekedza paakafa. Uye mwanakomana wake Manase akamutevera paumambo.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Makoronike 32