Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Makoronike 32:20-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Mambo Hezekia nomuprofita Isaya mwanakomana waAmozi vakachema mumunyengetero kudenga pamusoro penyaya iyi.

21. Uye Jehovha akatuma mutumwa akaparadza varwi vose navatungamiri navakuru pamisasa yamambo weAsiria. Saka akadzokera kunyika yake achinyara kwazvo uye paakapinda mutemberi yamwari wake vamwe vavanakomana vake vakamuuraya neminondo.

22. Saka Jehovha akanunura Hezekia navanhu veJerusarema kubva muruoko rwaSenakeribhi mambo weAsiria uye kubva muruoko rwavamwe vose. Akavachengeta kumativi ose.

23. Vazhinji vakavigira Jehovha zvipo kuJerusarema nezvipo zvinokosha kuna Hezekia mambo weJudha. Kubva ipapa akatanga kuremekedzwa zvikuru nendudzi dzose.

24. Pamazuva iwayo Hezekia akarwara akasvika pakuda kufa. Akanyengetera kuna Jehovha iye akamupindura akamupa chiratidzo chechishamiso.

25. Asi mwoyo waHezekia wakazvikudza uye haana kugamuchira tsitsi dzaakanga aratidzwa. Saka hasha dzaJehovha dzakava pamusoro pake napamusoro peJudha neJerusarema.

26. Ipapo Hezekia akatendeuka kubva mukuzvikudza kwomwoyo wake, sezvakaitawo vanhu veJerusarema, naizvozvo hasha dzaMwari hadzina kuuya kwavari pamazuva aHezekia.

27. Hezekia akanga ane pfuma yakawanda kwazvo uye nokukudzwa, uye akavaka matura okuchengeta sirivha yake negoridhe namatombo anokosha, nezvinonhuwira, nenhoo nezvimwe zvinokosha zvose.

28. Akavakawo matura okuchengetera zviyo zvaaikohwa, waini itsva, namafuta; uye akavaka matanga emombe dzamarudzi akasiyana-siyana namatanga amakwai.

29. Akavaka misha uye akatenga makwai nemombe zhinji nokuti Mwari akanga amupa pfuma yakawanda.

30. Hezekia ndiye akavhara mvura yaibuda muchitubu chepaGihoni ichiyerera nokumusoro akaivhurira kuti iende nezasi kumavirazuva kweGuta raDhavhidhi. Akabudirira mune zvose zvaiita.

31. Asi pakatumwa nhume navatongi veBhabhironi kuti vamubvunze pamusoro pechiratidzo chechishamiso chakanga chaitika munyika, Mwari akamusiya kuti amuedze uye kuti azive zvose zvaiva mumwoyo make.

32. Zvimwe zvakaitwa naHezekia panguva yokutonga muchiratidzo chomuprofita Isaya mwanakomana waAmosi mubhuku ramadzimambo eJudha neIsraeri.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Makoronike 32