Mambo akapawo kubva mupfuma yake zvipiriso zvinongoiswa zvamangwanani nezvamadekwana nezvipiriso zvinopiswa zvamaSabata, zvoKugara kwoMwedzi napane mimwe mitambo yakatarwa sezvakanyorwa muMurayiro waJehovha.