Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Makoronike 29:22-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Saka vakauraya hando dziya, uye vaprista vakatora ropa vakarisasa paaritari mushure mezvo vakauraya makondohwe vakasasa ropa rawo paaritari; uye vakauraya makwayana vakasasa ropa rawo paaritari.

23. Mbudzi dzechipiriso chechivi dzakauyiswa pamberi pamambo neungano, uye vakaisa maoko avo pamusoro padzo.

24. Ipapo vaprista vakadziuraya vakaisa ropa radzo paaritari sechipiriso chechivi kuti vayananisire Israeri yose, nokuti mambo akanga arayira kuti kuitwe chipiriso chinopiswa nechipiriso chechivi zvichiitirwa Israeri yose.

25. Akaisa vaRevhi mutemberi yaJehovha vane makandira, nemitengeranwa nembira sezvaakanga arairwa naDhavhidhi naGadhi muoni wamambo naNatani muprofita. Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha kubudikidza navaprofita vake.

26. Saka vaRevhi vakamira vakagadzirira vaine zviridzwa zvaDhavhidhi uye vaprista vaine hwamanda dzavo.

27. Hezekia akarayira kuti chipiriso chinopiswa chipiswe paaritari. Chipiriso pachakatanga, kuimbira Jehovha kwakatangawo, kuchiteverwa nehwamanda nezviridzwa zvaDhavhidhi mambo weIsraeri.

28. Ungano yose yakakotama ichinamata, vaimbi pavaiimba uye varidzi vehwamanda vachiridza. Zvose izvi zvakaenderera mberi kusvikira chibayiro chechipiriso chinopiswa chapera.

29. Pavakapedza kupisira zvipiriso mambo navose vaakanga anavo vakapfugama pasi vakanamata.

30. Mambo Hezekia namachinda ake vakarayira vaRevhi kuti varumbidze Jehovha namashoko aDhavhidhi neaAsafi muoni. Saka vakaimba nziyo dzokurumbidza nomufaro uye vakakotamisa misoro yavo vakanamata.

31. Ipapo Hezekia akati, “Imi iye zvino mazvikumikidza kuna Jehovha. Uyai nezvipiriso zvokuvonga kutemberi yaJehovha.” Saka ungano yose yakauyisa zvipisiro nezvipo zvokuvonga, uye vose vaiva nemwoyo inoda vakauyisa zvipiriso zvinopiswa.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Makoronike 29