Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Makoronike 24:8-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Mambo akati arayira bhokisi rakagadzirwa rikaiswa pasuo retemberi yaJehovha.

9. Shoko rakatumwa muJudha neJerusarema kuti vaifanira kuuyisa kuna Jehovha mutero wakanga warayirwa naMozisi muranda waMwari kuti vaIsraeri vape murenje.

10. Machinda ose navanhu vose vakauyisa zvipo zvavo nomufaro, vakazvikanda mubhokisi kusvikira razara.

11. Pose paitakurwa bhokisi richipinzwa mukati navaRevhi kumachinda amambo, uye pavaiona kuti maiva nemari yakawanda, munyori wamambo nomubati womuprista mukuru vaiuya vodurura mari kubva mubhokisi riya voridzorera panzvimbo yaro. Vakaita izvi nguva nenguva uye vakaunganidza mari yakawanda.

12. Mambo naJehoyadha vakaipa kuvanhu vaizoita basa raidiwa patemberi yaJehovha. Vakaripira vavezi vamatombo namatanda kuti vamise pakare temberi yaJehovha, uyewo vapfuri vesimbi nendarira kuti vagadziridze temberi.

13. Varume vaibata basa iri vaiva nounyanzvi uye kugadziridza kwose kwakaenderera mberi mumaoko avo. Vakavakazve temberi yaMwari sezvayakanga yakaita pakutanga, vakaisimbisa.

14. Pavakapedza vakauyisa imwe mari yose yakanga yasara kuna mambo naJehoyadha, uye yakagadziriswa midziyo yomutemberi yaJehovha: midziyo yokushandisa neyezvipiriso zvinopiswa namadhishi nezvimwe zvegoridhe nesirivha. Jehoyadha paakanga achiri mupenyu, zvipiriso zvinopiswa zvaitopiwa nguva nenguva mutemberi yaJehovha.

15. Zvino Jehoyadha akanga akura ava namakore mazhinji, uye akafa ava namakore zana namakumi matatu.

16. Akavigwa namadzimambo muGuta raDhavhidhi, nokuda kwezvakanaka zvaakanga aitira Mwari muIsraeri nomutemberi yake.

17. Mushure mokufa kwaJehoyadha, vakuru veJudha vakauya kuzopa rukudzo kuna mambo, uye akateerera kwavari.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Makoronike 24