Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Makoronike 2:2-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Akatuma varume zviuru makumi manomwe kuti vave vatakuri vamabwe, navarume zviuru makumi masere kuti vave vavezi vamatombo mumakomo uye varume zviuru zvitatu namazana matanhatu kuti vave vatariri vavo.

3. Soromoni akatumira shoko iri kuna Hiramu mambo weTire: “Nditumireiwo matanda emisidhari sezvamakaitira baba vangu Dhavhidhi pamakavatumira misidhari yokuvakisa muzinda wavo kuti vagaremo.

4. Zvino ndava kuda kuvakira Zita raJehovha Mwari wangu temberi ndigoikumikidza kwaari kuti ndigopisira zvinonhuwira pamberi pake, kuti ndigoisa chingwa chakatsaurwa nguva dzose uye kuti ndigoita zvipiriso zvinopiswa mangwanani namanheru oga oga, pamaSabata, paKugara kwoMwedzi napamitambo yakatarwa yaJehovha Mwari wedu. Uyu ndiwo murayiro wakapiwa Israeri nokusingaperi.

5. “Temberi yandichavaka ichange iri huru nokuti Mwari wedu mukuru kupinda vamwari vose.

6. Asi ndiani angakwanisa kumuvakira temberi, sezvo iye asingakwani kunyange matenga okumusoro-soro? Ko, ini ndini aniko kuti ndingamuvakirawo temberi asi chete senzvimbo yokupisira zvipiriso zvinopiswa pamberi pake?

7. “Saka zvino nditumirewo, murume ano unyanzvi hwokushandisa goridhe, nesirivha, ndarira, nesimbi uye nemicheka yepepuru nemitsvuku neyebhuruu, ane ruzivo rwezvokuveza kuti ashande muJudha neJerusarema pamwe chete navarume vakachenjera vakasiyiwa naDhavhidhi baba vangu.

8. “Nditumireiwo misidhari, mipaini namatanda emuarigami kubva kuRebhanoni nokuti ndinoziva kuti vanhu venyu vane unyanzvi mukutema matanda ikoko. Vanhu vangu vachashanda pamwe chete nevako

9. kuti ndiwane matanda mazhinji kwazvo nokuti temberi yandichavaka inofanira kuva huru uye yakanaka zvikuru.

10. Ndichapa varanda vako, vachatema matanda, zviyero zviuru makumi maviria zvegorosi, zviyero zviuru makumi maviri zvehari, mabhati ewaini zviuru makumi mavirib uye mabhati amafuta omuorivhi zviuru makumi maviri.”

11. Hiramu mambo weTire akapindura netsamba kuna Soromoni akati, “Nokuti Jehovha anoda vanhu vake, akakuita mambo wavo.”

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Makoronike 2