Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Makoronike 17:9-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Vakadzidzisa Judha yose vaine Bhuku roMurayiro waJehovha; vakatenderera kumaguta ose aJudha vakadzidzisa vanhu.

10. Kutya Jehovha kwakawira madzimambo enyika dzakanga dzakapoteredza Judha, zvokuti havana kuda kurwa naJehoshafati.

11. Vamwe vaFiristia vakavigira Jehoshafati zvipo nesirivha somutero, uye vaArabhu vakamuvigira mapoka amakwai aiti: zviuru zvinomwe namazana manomwe amakondohwe nezviuru zvinomwe namazana manomwe embudzi.

12. Jehoshafati akazova nesimba guru kwazvo; akavaka nhare namaguta amatura muJudha;

13. uye akaita mabasa mazhinji mumaguta eJudha. Aivawo navarwi vane ruzivo rwokurwa muJerusarema.

14. Kutorwa kwavo nemhuri dzavo kwakanga kwakadai: Kubva kuJudha, vatungamiri vamapoka avarwi chiuru: Adhina mutungamiri aiva navarwi zviuru mazana matatu;

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Makoronike 17