Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Makoronike 17:10-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Kutya Jehovha kwakawira madzimambo enyika dzakanga dzakapoteredza Judha, zvokuti havana kuda kurwa naJehoshafati.

11. Vamwe vaFiristia vakavigira Jehoshafati zvipo nesirivha somutero, uye vaArabhu vakamuvigira mapoka amakwai aiti: zviuru zvinomwe namazana manomwe amakondohwe nezviuru zvinomwe namazana manomwe embudzi.

12. Jehoshafati akazova nesimba guru kwazvo; akavaka nhare namaguta amatura muJudha;

13. uye akaita mabasa mazhinji mumaguta eJudha. Aivawo navarwi vane ruzivo rwokurwa muJerusarema.

14. Kutorwa kwavo nemhuri dzavo kwakanga kwakadai: Kubva kuJudha, vatungamiri vamapoka avarwi chiuru: Adhina mutungamiri aiva navarwi zviuru mazana matatu;

15. aitevera ndiJehohanani mutungamiri aiva navarwi zviuru mazana maviri namakumi masere;

16. aitevera ndiAmasia mwanakomana waZikiri, uyo akazvipira kushandira Jehovha, aina varwi zviuru mazana maviri.

17. Kubva kuBhenjamini: Eriadha murwi akanga akashinga, aiva murwi aiva navarwi zviuru mazana maviri vakanga vakabata uta nenhoo;

18. aitevera ndiJehozabhadhi navarume zviuru zana namakumi masere vakagadzirira kurwa hondo.

19. Ava ndivo varume vaibatira mambo, tisingaverengi avo vaakaisa mumaguta ane masvingo muJudha yose.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Makoronike 17