Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Makoronike 12:2-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Nokuti vakanga vasina kutendeka kuna Jehovha, Shishaki mambo weIjipiti akarwisa Jerusarema mugore rechishanu ramambo Rehobhoamu.

3. Nengoro chiuru namazana maviri navatasvi vamabhiza zviuru makumi matanhatu navarwi vokuRibhiya, Suki neEtiopia vakanga vasingaverengeki vaakauya navo kubva kuIjipiti,

4. akakunda maguta enhare eJudha kusvika kuJerusarema.

5. Ipapo muprofita Shemaya akauya kuna Rehobhoamu nokuvatungamiri veJudha vakanga vaungana muJerusarema vachitya Shishaki, akati kwavari, “Zvanzi naJehovha, ‘Makandirasa; naizvozvo zvino ndava kukurasirai kuna Shishaki.’ ”

6. Vatungamiri veIsraeri namambo vakazvininipisa vakati, “Jehovha akarurama.”

7. Jehovha pavakaona kuti vazvininipisa shoko iri raJehovha rakauya kuna Shemaya richiti, “Nokuda kwokuti vazvininipisa, handichavaparadzi asi munguva pfupi ndichavanunura. Kutsamwa kwangu hakuchadururirwa paJerusarema kubudikidza naShishaki.

8. Zvisinei hazvo, vachava pasi pake kuti vadzidze mutsauko uri pakati pokundishumira nokushumira madzimambo edzimwe nyika.

9. Shishaki mambo weIjipiti paakarwisa Jerusarema akatakura pfuma yomutemberi yaJehovha nepfuma yomumuzinda wamambo. Akatora zvose kusanganisira nhoo dzegoridhe dzakanga dzagadzirwa naSoromoni.

10. Saka Mambo Rehobhoamu akagadzira nhoo dzendarira kutsiva idzo dzakanga dzatorwa akadzipa vakuru vavarindi vaiva pabasa pamukova wokupinda mumuzinda woumambo.

11. Pose paienda mambo kutemberi yaJehovha, varindi vaienda naye, vakabata nhoo idzi uye vapedza vaizodzidzorera kuimba yavarindi.

12. Nokuti Rehobhoamu akazvininipisa kutsamwa kwaJehovha kwakabva kwaari, uye haana kuparadzwa zvachose. Zvirokwazvo makava nezvimwe zvakanaka muJudha.

13. Mambo Rehobhoamu akazvisimbisa kwazvo muJerusarema akaramba ari mambo. Akanga ane makore makumi mana nerimwe chete paakava mambo uye akatonga kwamakore gumi namanomwe muJerusarema, guta raJehovha raakanga azvisarudzira pamarudzi ose eIsraeri kuti aise Zita rake. Zita ramai vake rainzi Naama; vaiva muAmoni.

14. Akaita zvakaipa nokuti akanga asina kuisa mwoyo wake pakutsvaga Jehovha.

15. Mabasa okutonga kwaRehobhoamu kubva kutanga kwake kusvikira kwokupedzisira, haana kunyorwa here mubhuku renhoroondo raShemaya muprofita neraIdho muoni? Paiva nokurwisana nguva dzose pakati paRehobhoamu naJerobhoamu.

16. Rehobhoamu akazorora namadzibaba ake akavigwa muguta raDhavhidhi. Uye Abhija mwanakomana wake akamutevera paumambo.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Makoronike 12