Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Makoronike 12:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mushure mokunge chinzvimbo chaRehobhoamu samambo chasimbiswa, uye paakanga asimba, iye neIsraeri yose pamwe chete vakasiya murayiro waJehovha.

2. Nokuti vakanga vasina kutendeka kuna Jehovha, Shishaki mambo weIjipiti akarwisa Jerusarema mugore rechishanu ramambo Rehobhoamu.

3. Nengoro chiuru namazana maviri navatasvi vamabhiza zviuru makumi matanhatu navarwi vokuRibhiya, Suki neEtiopia vakanga vasingaverengeki vaakauya navo kubva kuIjipiti,

4. akakunda maguta enhare eJudha kusvika kuJerusarema.

5. Ipapo muprofita Shemaya akauya kuna Rehobhoamu nokuvatungamiri veJudha vakanga vaungana muJerusarema vachitya Shishaki, akati kwavari, “Zvanzi naJehovha, ‘Makandirasa; naizvozvo zvino ndava kukurasirai kuna Shishaki.’ ”

6. Vatungamiri veIsraeri namambo vakazvininipisa vakati, “Jehovha akarurama.”

7. Jehovha pavakaona kuti vazvininipisa shoko iri raJehovha rakauya kuna Shemaya richiti, “Nokuda kwokuti vazvininipisa, handichavaparadzi asi munguva pfupi ndichavanunura. Kutsamwa kwangu hakuchadururirwa paJerusarema kubudikidza naShishaki.

8. Zvisinei hazvo, vachava pasi pake kuti vadzidze mutsauko uri pakati pokundishumira nokushumira madzimambo edzimwe nyika.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Makoronike 12