Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Makoronike 1:14-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Soromoni akazviunganidzira ngoro namabhiza; aiva nengoro chiuru namazana mana, nezviuru gumi nezviviri zvamabhiza, zvaaichengetera mumaguta engoro uye nokuJerusarema kwaaivawo.

15. Mambo akaita kuti sirivha negoridhe zviwanikwe kwose kwose muJerusarema samatombo uye misidhari ikawanda semionde mujinga mezvikomo.

16. Mabhiza aSoromoni aitengwa kuIjipiti nokuKuwe, vatengi vamambo vaitenga kubva kuKuwe.

17. Vaitenga ngoro imwe chete kubva kuIjipiti ichiita mashekeri mazana matanhatua esirivha uye bhiza rimwe chete richiita mashekeri zana namakumi mashanub. Ivo vaizoatengeserawo kumadzimambo ose avaHiti navaAramu.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Makoronike 1