Jehu akapindura akati, “Uneiko norugare iwe? Tevera shure kwangu.” Nharirire yakazivisazve ichiti, “Asvika kwavari, asi naiyewo haasi kudzoka.” Kuchaira kwacho kwakafanana nokwaJehu mwanakomana waNimushi, nokuti anochaira kunge benzi.”