Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Madzimambo 8:28-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

28. Ahazia akaenda naJoramu mwanakomana waAhabhu kundorwa naHazaeri, mambo weAramu, paRamoti Gireadhi. VaAramu vakakuvadza Joramu;

29. naizvozvo mambo Joramu akadzokera kuJezireeri kuti ambondopora maronda aakanga akakuvadzwa navaAramu paRamoti mukurwa kwake naHazaeri mambo weAramu. Ipapo Ahazia mwanakomana waJehoramu, mambo weJudha, akaburukira kuJezireeri kundoona Joramu, mwanakomana waAhabhu, nokuti akanga akuvadzwa.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Madzimambo 8