Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Madzimambo 4:26-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. Mhanya undosangana naye ugomubvunza kuti, ‘Munofara mose here? Ko, murume wako anofara here? Ko, mwana wako anofara here?’ ” Mukadzi akati, “Zvose zvakanaka.”

27. Paakasvika kumunhu waMwari paGomo, akabata makumbo ake. Gehazi akauya achiti amusundire kure, asi munhu waMwari akati, “Murege akadaro! Nokuti ane shungu dzinomutambudza, asi Jehovha akandivanzira chinhu ichi uye haana kundiudza kuti imhaka yei.”

28. Mukadzi akati, “Ndakakukumbirai mwanakomana here, tenzi wangu? Ko, handina kukutaurirai kuti musandinyengedzera here?”

29. Erisha akati kuna Gehazi, “Zvisunge chiuno ubate tsvimbo yangu muruoko rwako umhanye. Kana ukasangana naani zvake, usamukwazisa, uye ani naani anokukwazisa, iwe usapindura. Uradzike tsvimbo yangu pauso hwomukomana.”

30. Asi mai vomwana vakati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, uye noupenyu hwenyu, handisi kuzokusiyai.” Naizvozvo akasimuka akamutevera.

31. Gehazi akatungamira mberi akandoisa tsvimbo pachiso chomwana, asi hapana chakanzwika kana chakapfakanyika. Naizvozvo Gehazi akadzokera kuti andosangana naErisha akamuudza kuti, “Mukomana haana kumuka.”

32. Erisha paakasvika pamba, akawana mukomana ari pamubhedha akafa.

33. Akapinda mukati, akapfiga mukova iye nomwana vari vaviri, akanyengetera kuna Jehovha.

34. Ipapo akakwira pamubhedha akatsivama pamusoro pomwana, akaisa muromo wake pamuromo womwana, nameso ake pameso omwana, uye maoko pamaoko ake. Paakatsivamira pamusoro pake, muviri womukomana wakatanga kudziya.

35. Erisha akafuratira, achifamba-famba mukati mekamuri akadzokerazve pamubhedha akatsivamazve pamusoro pake. Mukomana akahotsira kanomwe kose ndokusvinura meso ake.

36. Erisha akadana Gehazi akati kwaari, “Dana mukadzi muShunemi.” Iye akaita saizvozvo. Akati apinda, Erisha akati kwaari, “Tora mwanakomana wako.”

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Madzimambo 4