Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Madzimambo 24:10-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Panguva iyoyo varanda vaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi vakaenda kuJerusarema vakarikomba,

11. uye Nebhukadhinezari pachake akasvika kuguta, varanda vake pavakanga vakarikomba.

12. Jehoyakini mambo weJudha, namai vake, navaranda vake, namakurukota ake, navabati vake vakazvipira vose kwaari. Mugore regumi namasere rokutonga kwamambo weBhabhironi, akatora Jehoyakini akamuita musungwa.

13. Sezvakanga zvarehwa naJehovha, Nebhukadhinezari akabvisa pfuma yose mutemberi yaJehovha nomumuzinda wamambo, uye akatora midziyo yose yegoridhe yakanga yaitirwa temberi yaJehovha naSoromoni mambo weJudha.

14. Akatapa Jerusarema rose: vabati vose navarume vehondo vose, navarume voumhizha vose, navapfuri vesimbi—vaiva vanhu zviuru gumi. Varombo vokupedzisira ndivo vakasara chete munyika imomo.

15. Nebhukadhinezari akatora Jehoyakini akamuita nhapwa kuBhabhironi. Akatorawo mai vamambo, navakadzi vake, navabati vake navarume vaitungamirira nyika muJerusarema akavaendesa kuBhabhironi.

16. Mambo weBhabhironi akabudisawo hondo yose yavarume zviuru zvinomwe, vakasimba pakurwa, nechiuru chimwe chete chavarume voumhizha navapfuri vesimbi akavaendesa kuBhabhironi.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Madzimambo 24