Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Madzimambo 24:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mumazuva okutonga kwaJehoyakimi Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akakunda nyika, Jehoyakimi akava muranda wake kwamakore matatu. Asi akazoshandura pfungwa dzake akamukira Nebhukadhinezari.

2. Jehovha akatuma vaBhabhironi navaAramu navaMoabhu uye navaAmoni kuti vazorwisa. Akavatuma kunoparadza Judha, sezvakarehwa neshoko raJehovha rakataurwa navaranda vake navaprofita.

3. Zvirokwazvo zvinhu izvi zvakaitika kuna Judha sezvazvakarayirwa naJehovha, kuitira kuti avabvise pamberi pake nokuda kwezvivi zvaManase nezvose zvaakaita,

4. zvinosanganisira kuteura ropa risina mhosva. Nokuti akanga azadza Jerusarema neropa risina mhosva, uye Jehovha akanga asingadi kumukanganwira.

5. Kana zviri zvimwe zvakaitika pakutonga kwaJehoyakimi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha?

6. Jehoyakimi akazorora namadzibaba ake. Uye Jehoyakini, mwanakomana wake akamutevera paumambo.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Madzimambo 24