Ipapo Josia akatariratarira uye paakaona makuva akanga aripo pamusoro pechikomo, akarayira kuti mapfupa abviswe maari uye apiswe paaritari kuti aishatise aisvibise, maererano neshoko raJehovha rakaparidzwa nomunhu waMwari akaprofita zvinhu izvi.