Mambo akashatisawo matunhu akakwirira akanga ari kumabvazuva kweJerusarema nechezasi kweChikomo choUori, izvo zvakanga zvavakwa naSoromoni mambo weIsraeri achivakira Ashitoreti mwari anonyangadza wavaSidhoni naKemoshi mwari anonyangadza wavaMoabhu, naMoreki mwari anonyangadza wavaAmoni.