Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Madzimambo 2:20-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Iye akati, “Ndivigirei ndiro itsva uye muise munyu mairi.” Naizvozvo vakamuvigira ndiro yacho.

21. Ipapo akaenda kuchitubu akakanda munyu imomo achiti, “Zvanzi naJehovha, ‘Ndanatsa mvura iyi. Haichazokonzeri rufuzve kana kushayisa nyika zvibereko.’ ”

22. Saka mvura yakaramba yakanaka kusvikira nhasi sezvakanga zvarehwa neshoko rakataurwa naErisha.

23. Achibva ipapo, Erisha akaenda kuBheteri. Paakanga achifamba mumugwagwa, vamwe vechidiki vakabuda muguta vakamusveeredza, vakati kwaari, “Kwira, iwe nyamhanza!”

24. Akacheuka, akavatarisa uye akadana chituko pamusoro pavo muzita raJehovha. Ipapo maperekadzi akabuda musango akaparadza vechidiki vana makumi mana navaviri.

25. Uye akaenda muGomo reKarimeri, uye achibva ikoko akadzokera kuSamaria.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Madzimambo 2