Vanhu vawo, vakapedzwa simba, vakavhundutswa uye vakanyadziswa. Vakafanana nembesa dziri muminda, samabukirwa omuriwo mutete akasvibira, souswa huri pamusoro pemba, hwakatsva husati hwakura.