Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Madzimambo 17:37-41 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

37. Munofanira kugara makachenjerera kuchengeta mitemo yake nezvaakatonga, nemirayiro, nemirau yaakakunyorerai. Musanamata vamwe vamwari.

38. Musakanganwa sungano yandakaita nemi, uye musanamata vamwe vamwari.

39. Asi munofanira kunamata Jehovha Mwari wenyu; ndiye achakusunungurai kubva mumaoko avavengi venyu vose.”

40. Kunyange zvakadaro, havana kuda kunzwa asi vakarambira mutsika dzavo dzakare.

41. Kunyange vanhu ava vainamata Jehovha, vaingoshumira vamwari vavo. Nanhasi vana vavo navazukuru vavo vanoramba vachiita zvimwe chetezvo zvaiitwa namadzibaba avo.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Madzimambo 17