Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Madzimambo 17:29-41 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

29. Kunyange zvakadaro, rudzi rumwe norumwe rwakazviitira vamwari varwo mumaguta mazhinji mavaigara, vakavamisa mudzimba dzokunamatira dzakanga dzaitwa navanhu veSamaria mumatunhu akakwirira.

30. Varume vaibva kuBhabhironi vakavaka Sukoti-Bhenoti, vanhu vaibva kuKuta vakavaka Nerigari, vanhu vaibva kuHamati vakavaka Ashima;

31. vaAvhi vakavaka Nibhazi Taritaki, uye vaSefavhi vakapisa vana vavo mumoto sezvibayiro kuna Adhiramereki naAnamereki vamwari veSefavhaimu.

32. Vakanamata Jehovha, asi vakagadzawo mhando dzose dzavanhu vavo kuti vavashandire savaprista mudzimba dzenzvimbo dzakakwirira.

33. Vakanamata Jehovha, asi vakashumirawo vamwari vavo maererano netsika dzendudzi idzo dzavakanga vabviswa kwadziri.

34. Kusvikira nhasi vari kurambira mutsika dzavo dzekare. Havanamati Jehovha kana kuteerera mitemo nezvakatemwa, nemirayiro nemirau yakapiwa naJehovha kuvana vaJakobho, uyo waakatumidza kuti Israeri.

35. Jehovha akati aita sungano navaIsraeri, akavarayira akati, “Musanamata kana vamwari vapi zvavo kana kuvapfugamira, kana kuvashumira kana kubayira kwavari.

36. Asi Jehovha uyo akakubudisai kubva munyika yeIjipiti nesimba guru uye noruoko rwakatambanudzwa, ndiye oga wamunofanira kunamata. Ndiye wamunofanira kupfugamira uye ndiye wamunofanira kupa zvibayiro.

37. Munofanira kugara makachenjerera kuchengeta mitemo yake nezvaakatonga, nemirayiro, nemirau yaakakunyorerai. Musanamata vamwe vamwari.

38. Musakanganwa sungano yandakaita nemi, uye musanamata vamwe vamwari.

39. Asi munofanira kunamata Jehovha Mwari wenyu; ndiye achakusunungurai kubva mumaoko avavengi venyu vose.”

40. Kunyange zvakadaro, havana kuda kunzwa asi vakarambira mutsika dzavo dzakare.

41. Kunyange vanhu ava vainamata Jehovha, vaingoshumira vamwari vavo. Nanhasi vana vavo navazukuru vavo vanoramba vachiita zvimwe chetezvo zvaiitwa namadzibaba avo.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Madzimambo 17