Menahemi akatora mari iyi somutero kubva kuIsraeri. Murume wose aiva mupfumi aibvisa makumi mashanu amashekerib esirivha kuti apiwe kuna mambo weAsiria. Saka mambo weAsiria akadzokera uye akasagarazve munyika.