Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Samueri 7:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Saka varume veKiriati Jearimi vakauya vakatora areka yaJehovha. Vakaiendesa kuimba yaAbhinadhabhi pachikomo uye vakatsaura Ereazari mwanakomana wake kuti achengete areka yaJehovha.

2. Areka yakaramba iri paKiriati Jearimi kwenguva yakareba kwazvo, makore makumi maviri pamwe chete, uye vanhu vose veIsraeri vakachema uye vakatsvaka Jehovha.

3. Ipapo Samueri akati kuimba yeIsraeri, “Kana muchidzokera kuna Jehovha nemwoyo yenyu yose, zvino chibvisai pakati penyu vamwari vavatorwa navaAshitoreti mugozvikumikidza kuna Jehovha uye mumushumire iye bedzi, uye achakudzikinurai kubva muruoko rwavaFiristia.”

4. Saka vaIsraeri vakarasa vose vaBhaari vavo navaAshitoreti, vakashumira Jehovha chete.

5. Ipapo Samueri akati, “Unganidzai Israeri yose paMizipa uye ndichakukumbirirai kuna Jehovha.”

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Samueri 7