Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Samueri 6:5-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Itai zviumbwa zvamamota nembeva dzacho, izvo zviri kuparadza nyika, uye mugopa kukudzwa kuna Mwari weIsraeri. Zvikada achasimudza ruoko rwake kubva pamuri napana vamwari venyu nenyika yenyu.

6. Sei muchiomesa mwoyo yenyu sezvakaitwa navaIjipita naFaro? Paakavabata nehasha, havana kubudisa vaIsraeri here kuti vaende?

7. “Naizvozvo torai mugadzirire ngoro itsva, nemhou mbiri dzinomwisa uye dzisina kumbosungwa pajoko. Sungai mhou pangoro, asi torai mhuru dzadzo mugodzipfigira muchirugu.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Samueri 6