Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Samueri 4:12-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Zuva rimwe chetero, mumwe murume weBhenjamini akamhanya achibva kuhondo akaenda kuShiro, nguo dzake dzakabvaruka uye ane guruva pamusoro wake.

13. Paakasvikako, Eri akanga akagara pachigaro chake parutivi rwenzira, akangotarisa, nokuti mwoyo wake waityira areka yaJehovha. Murume uyu paakapinda muguta akataura zvakanga zvaitika, guta rose rakachema.

14. Eri akanzwa kuchema akandobvunza achiti, “Mheremhere iyi yose ndeyeiko?” Murume uyu akachimbidza kuenda kuna Eri,

15. akanga ava namakore makumi mapfumbamwe namasere okuberekwa uye meso ava norutara zvokuti akanga asisaoni.

16. Akati kuna Eri, “Ndiri kubva kuhondo izvozvi; ndatotizako nhasi chaiye.” Eri akabvunza akati, “Chiiko chaitika mwanakomana wangu?”

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Samueri 4