26. Dhavhidhi akati asvika muZikiragi, akatumira zvimwe zvezvakapambwa kuvakuru veJudha, avo vakanga vari shamwari dzake, achiti, “Hecho chipo chenyu chamapiwa chabva pane zvakapambwa zvavavengi vaJehovha.”
27. Akachitumira kuna vaya vakanga vari muBheteri, Ramoti Negevhi neJariri;
28. kuna avo vakanga vari muAroeri, Sifimoti, Eshitemoa
29. neRakari; kuna avo vakanga vari mumaguta avaJerameeri navaKeni;
30. kuna avo vakanga vari muHorima, Bhori Ashani, Ataki
31. neHebhuroni; uye kuna avo vakanga vari mune dzimwe nzvimbo dzose dzakanga dzafambwa naDhavhidhi navanhu vake.