Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Samueri 29:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. VaFiristia vakaunganidza varwi vavo paAfeki, uye vaIsraeri vakadzika musasa patsime raiva paJezireeri.

2. Vatongi vavaFiristia pavaifamba namapoka avo amazana mazana uye ezviuru zviuru, Dhavhidhi navanhu vake vaifamba vari mushure maAkishi.

3. Vakuru vehondo yavaFiristia vakabvunza vakati, “Ko, vaHebheru ava vanodei?” Akishi akapindura akati, “Ko, uyu haazi Dhavhidhi, akanga ari muchinda waSauro mambo weIsraeri here? Anga agere neni kwenguva inopfuura gore, uye kubva pazuva raakabva kuna Sauro kusvikira zvino, handina kuwana chakaipa maari.”

4. Asi vakuru vehondo yavaFiristia vakamutsamwira vakati, “Dzosai munhu uyu kwakare, kuti adzokere kunzvimbo yamakamurayira kuti agare. Haafaniri kuenda nesu kuhondo kuitira kuti arege kutipindukira tiri pakurwa. Zvingava nani kwaari kuti awane nyasha kuna tenzi wake ndezvipiko, hakuzi kuti agure misoro yavanhu vedu here?

5. Ko, uyu handiye Dhavhidhi wavakaimba pamusoro pake vachitamba vachiti:“ ‘Sauro akauraya zviuru zvake,uye Dhavhidhi makumi ezviuru zvake’?”

6. Saka Akishi akadana Dhavhidhi akati kwaari, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, iwe wanga wakavimbika, uye ini ndaifara kuti iwe ushande neni muhondo. Kubva pazuva rawakasvika kwandiri kusvikira iye zvino, handina kuwana chakaipa mauri, asi madzishe haabvumirani newe.

7. Chidzoka hako kwakare norugare; urege kuita chinhu chisingafadzi madzishe avaFiristia.”

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Samueri 29