Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Samueri 26:12-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Saka Dhavhidhi akatora pfumo nechirongo chemvura pedyo nomusoro waSauro, ivo ndokubvapo. Hakuna akaona kana kuziva nezvazvo, uye hakuna kana akamuka. Vose vakanga vavete, nokuti Jehovha akanga avapa hope huru.

13. Ipapo Dhavhidhi akayambuka akaenda kuno rumwe rutivi akandomira pamusoro pechikomo, chinhambwe chiri kure; pakanga pane nzvimbo yakafara pakati pavo.

14. Akadanidzira kuvarwi nokuna Abhineri mwanakomana waNeri akati, “Abhineri haundidaviri here?” Abhineri akapindura akati, “Ndiwe aniko unodanidzira kuna mambo?”

15. Dhavhidhi akati, “Uri murume, handizvo here? Uye ndianiko akaita sewe muIsraeri? Ko, wakaregererei kurinda ishe wako iye mambo? Mumwe akasvika kuzoparadza ishe wako iye mambo.

16. Zvawaita hazvina kunaka. Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, iwe navanhu vako munofanira kufa, nokuti hamuna kurinda tenzi wenyu, iye muzodziwa waJehovha. Chitarira pauri. Ko, pfumo ramambo nechirongo chavo zvakanga zviri pedyo nomusoro wavo zviripi?”

17. Sauro akaziva inzwi raDhavhidhi akati, “Ko, inzwi rako here Dhavhidhi mwanakomana wangu?” Dhavhidhi akapindura akati, “Hongu ndiro, ishe wangu mambo.”

18. Akatizve, “Seiko ishe wangu achidzinganisa muranda wake? Ndakaiteiko, uye mhosva yandakapara ndeipiko?

19. Zvino ishe wangu mambo ngaateerere mashoko omuranda wake. Kana Jehovha akakukurudzirai kuti muzorwa neni, zvino ngaagamuchire chipiriso. Kana, zvakadaro hazvo, vari vanhu vakazviita, ngavatukwe pamberi paJehovha! Vakandidzinga zvino pamugove wangu panhaka yaJehovha vakati, ‘Enda undoshumira vamwe vamwari.’

20. Zvino ropa rangu ngarirege kuteukira pasi kure naJehovha. Mambo waIsraeri akabuda kuti azotsvaka nhata, somunhu anovhima chikwari mumakomo.”

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Samueri 26