Abhigairi akati adzokera kuna Nabhari, akanga ari mumba achiita mutambo wakafanana nowamambo. Mwoyo wake wakanga wakafara kwazvo uye akadhakwa. Saka haana chaakamuudza kusvikira mangwana.