Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Samueri 18:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Dhavhidhi akati apedza kutaura naSauro, Jonatani akanamatirana naDhavhidhi mumweya, uye akamuda sezvaaizvida iye.

2. Kubva pazuva iroro, Sauro akachengeta Dhavhidhi uye haana kuzomutendera kuti adzokere kumba kwababa vake.

3. Uye Jonatani akaita sungano naDhavhidhi nokuti aimuda sezvaaizvida iye.

4. Jonatani akakurura nguo yaakanga akapfeka akaipa kuna Dhavhidhi, pamwe chete nechunika yake, uye kunyange munondo wake, uta hwake nebhanhire rake.

5. Chimwe nechimwe chaaitumwa naSauro kuti aite, Dhavhidhi aizviita nomazvo chaizvo zvokuti Sauro akazomupa chinzvimbo chapamusoro-soro muhondo. Izvi zvakafadza vanhu vose, uye namachinda aSaurowo.

6. Varume vakati vodzoka kumba, mushure mokunge Dhavhidhi auraya muFiristia, vakadzi vakabuda kundochingamidza Mambo Sauro vachibva kumaguta ose eIsraeri vachiimba, vachitamba, nziyo dzomufaro uye namatambureni nenyere.

7. Pavaitamba, vaiimba vachiti, “Sauro akauraya zviuru zvamazana ake, naDhavhidhi makumi ezviuru zvamazama ake.”

8. Sauro akatsamwa zvikuru; kuimba uku kwakamutsa hasha dzake akati, “Vapa Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana, asi ini zviuru chete. Chimwe chii chaangawana kunze kwoumambo?”

9. Kubva panguva iyoyo Sauro akatarira Dhavhidhi neziso rine godo.

10. Fume mangwana, mweya wakaipa wakabva kuna Mwari wakauya nesimba pamusoro paSauro. Akanga achiprofita ari mumba make, Dhavhidhi achiridza mbira, sezvaaisiita nguva dzose. Sauro akanga ane pfumo muruoko rwake.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Samueri 18