Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Samueri 14:50-52 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

50. Zita romukadzi wake rainzi Ahinoami, mwanasikana waAhimaazi. Zita romutungamiri wehondo yaSauro rainzi Abhineri, mwanakomana waNeri, uye Neri akanga ari babamunini vaSauro.

51. Kishi baba vaSauro naNeri baba vaAbhineri vakanga vari vanakomana vaAbhieri.

52. Pamazuva ose aSauro pakanga pane hondo huru kwazvo navaFiristia, uye Sauro aiti kana akaona munhu ane simba uye akashinga, aimutora omuita murwi wake.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Samueri 14