Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Samueri 12:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Samueri akati kuvaIsraeri vose, “Ndakateerera zvose zvamakataura kwandiri ndikagadza mambo pamusoro penyu.

2. Zvino mava namambo somutungamiri wenyu. Kana ndiri ini, ndakwegura uye ndachena musoro, uye vanakomana vangu vanemi pano. Ndakava mutungamiri wenyu kubvira paudiki hwangu kusvikira zuva ranhasi.

3. Zvino ndiri pano. Chindipupurirai pamberi paJehovha nomuzodziwa wake. Ndeyani hando yandakatora? Ndeyani mbongoro yandakatora? Ndiani wandakanyengera? Ndianiko wandakambodzvinyirira? Ndakagamuchira fufuro kubva muruoko rwaani kuti ndipofumadze meso angu? Kana ndakaita chimwe chaizvozvi, ndichazvigadzirisa.”

4. Vakapindura vachiti, “Hamuna kutinyengera kana kutidzvinyirira. Hamuna kutora kana chinhu kubva muruoko rwomunhu.”

5. Samueri akati kwavari, “Jehovha ndiye chapupu chinokupomerai, uye muzodziwa wake ndiye chapupu zuva ranhasi, kuti hamuna kuwana kana chinhu muruoko rwangu.” Vakati, “Ndiye chapupu.”

6. Ipapo Samueri akati kuvanhu, “Jehovha ndiye akasarudza Mozisi naAroni akabuditsa madzitateguru enyu kubva muIjipiti.

7. Naizvozvo zvino chimbomirai nditaure nemi pamberi paJehovha pamusoro pezvose zvakarurama zvamakaitirwa naJehovha, imi namadzibaba enyu.

8. “Mushure mokunge Jakobho aenda muIjipiti, vakachema kuna Jehovha kuti vabatsirwe, uye Jehovha akatuma Mozisi naAroni, vakabudisa madzitateguru enyu kubva muIjipiti vakavagarisa munzvimbo ino.

9. “Asi vakakanganwa Jehovha Mwari wavo; naizvozvo akavatengesa kuna Sisera, mutungamiri wehondo yaHazori, uye nokumaoko avaFiristia namambo weMoabhu, uyo akavarwisa.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Samueri 12