Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Samueri 10:13-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Mushure mokunge Sauro apedza kuprofita, akaenda kunzvimbo yakakwirira.

14. Zvino babamunini vaSauro vakamubvunza iye nomuranda wake vachiti, “Makanga muripiko?” Akati, “Takanga tichitsvaga mbongoro. Asi patakaona kuti hadzisi kuzowanikwa takaenda kuna Samueri.”

15. Babamunini vaSauro vakati, “Ndiudzei kuti Samueri akati kudii kwamuri.”

16. Sauro akapindura achiti, “Akatiudza pachena kuti mbongoro dzakanga dzawanikwa.” Asi haana kuudza babamunini vake nezvoumambo zvakanga zvataurwa naSamueri.

17. Samueri akadana vanhu veIsraeri kuna Jehovha paMizipa

18. akati kwavari, “Zvanzi naJehovha Mwari weIsraeri, ‘Ndakabudisa Israeri muIjipiti, uye ndakakudzikinurai kubva kusimba reIjipiti noumambo hwose hwaikudzvinyirirai.’

19. Asi iye zvino maramba Mwari wenyu, anokuponesai panjodzi dzenyu nenhamo dzenyu. Uye makati, ‘Kwete, isai mambo pamusoro pedu.’ Saka zvino chiuyai pamberi paJehovha muri mumarudzi enyu nedzimba dzenyu.”

20. Samueri paakauyisa marudzi eIsraeri pedyo, rudzi rwaBhenjamini rwakasarudzwa.

21. Ipapo akauyisa mberi rudzi rwaBhenjamini, imba neimba, uye imba yaMatiri yakasarudzwa. Pakupedzisira, Sauro mwanakomana waKishi akasarudzwa. Asi pavakamutsvaka haana kuwanikwa.

22. Saka vakabvunzazve Jehovha, vachiti, “Murume uyu ati auya pano here?”Zvino Jehovha akati, “Hongu, ahwanda pakati penhumbi.”

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Samueri 10