Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 9:4-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Utai mwanakomana waAmihudhi, mwanakomana waOmiri, mwanakomana waImiri, mwanakomana waBhani, chizvarwa chaPerezi mwanakomana waJudha.

5. VaShiro: Asaya uyo aiva dangwe navanakomana vake.

6. VaZerahi: Jeueri. Vanhu vaibva kuJudha vaiva mazana matanhatu namakumi mapfumbamwe.

7. VaBhenjamini: Saru mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waHodhavhia, mwanakomana waHasenua;

8. Ibhineya mwanakomana waJerohami; Era mwanakomana waUzi, mwanakomana waMikiri naMeshurami mwanakomana waShefatia, mwanakomana waReueri, mwanakomana waIbhiniya.

9. Vanhu vorudzi rwaBhenjamini sezvazvakanyorwa munhoroondo yavo, vaisvika mazana mapfumbamwe namakumi mashanu navatanhatu. Varume ava vose vakanga vari vakuru vemhuri.

10. Vaprista: Jedhaya, naJehoyaribhi naJakini;

11. Azaria mwanakomana waHirikia, mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waZadhoki, mwanakomana waMerayoti, mwanakomana waAhitubhi, mubati mukuru muimba yaMwari.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 9