Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 9:28-43 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

28. Vamwe vavo vaiva nebasa rokuchengetedza midziyo yaishandiswa muTemberi; vaiiverenga ichibuda voiverengazve yodzorerwa.

29. Vamwe vakapiwa basa rokuti vachengetedze nhumbi nemimwe midziyo yose yapanzvimbo tsvene pamwe chete noupfu hwakatsetseka newaini, namafuta, nezvinonhuwira nemiti inonhuwira.

30. Asi vamwe vavaprista vaiitawo basa rokusanganisa miti inonhuwira.

31. MuRevhi ainzi Matitia, dangwe raSharumi muKora, akagadzwa basa rokubika chingwa chechipiriso.

32. Vamwe vehama dzavo vaKohati vakapiwa basa rokubika chingwa chaizoiswa patafura pamaSabata ose.

33. Avo vaiva vaimbi, vakuru vemhuri dzavaRevhi, vaigara mumakamuri omuTemberi uye vaisaita mamwe mabasa ose nokuti vaifanira kuita basa iri masikati nousiku.

34. Ava vose vaiva vakuru vemhuri dzavaRevhi, vakuru sezvavakanyorwa munhoroondo dzokuberekwa kwavo. Uye vaigara muJerusarema.

35. Jeyeri baba vaGibheoni aigara muGibheoni. Mukadzi wake ainzi Maaka,

36. uye dangwe rake raivawo Abhidhoni, achiteverwa naZuri, Kishi, Bhaari, Neri, Nadhabhi,

37. Gedhori, Ahio, Zekaria naMikiroti.

38. Mikiroti aiva baba vaShimeamu. Ivowo vaigara pedyo nehama dzavo muJerusarema.

39. Neri aiva baba vaKishi, Kishi ari baba vaSauro, uye Sauro aiva baba vaJonatani, Mariki-Shua, Abhinadhabhi naEshi-Bhaari.

40. Mwanakomana waJonatani ainzi Meribhi-Bhaari uye aiva baba vaMika.

41. Vanakomana vaMika vaiva Pitoni: Mereki, Tahirea naAhazi.

42. Ahazi aiva baba vaJadha, Jadha aiva baba vaAremeti, Azimavheti naZimiri, uye Zimiri aiva baba vaMoza.

43. Moza aiva baba vaBhinea; Refaya aiva mwanakomana wake, Ereasa mwanakomana wake naAzeri mwanakomana wake.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 9