Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 9:26-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. Asi vakuru vana pakati pavatariri vamasuo, vaiva vaRevhi, vakapiwa basa rokuchengetedza makamuri namatura epfuma muimba yaMwari.

27. Vaipedza usiku hwose vari panzvimbo dzavo vakapoteredza imba yaMwari, nokuti vaifanira kuichengetedza; uye vaiva nebasa rokuizarura mangwanani oga oga.

28. Vamwe vavo vaiva nebasa rokuchengetedza midziyo yaishandiswa muTemberi; vaiiverenga ichibuda voiverengazve yodzorerwa.

29. Vamwe vakapiwa basa rokuti vachengetedze nhumbi nemimwe midziyo yose yapanzvimbo tsvene pamwe chete noupfu hwakatsetseka newaini, namafuta, nezvinonhuwira nemiti inonhuwira.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 9