Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 9:21-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Zekaria mwanakomana waMesheremia aiva mutariri wesuo pamukova weTende Rokusangana.

22. Vose pamwe chete vakanga vasarudzwa kuti vave vatariri vamasuo pamikova vaisvika mazana maviri negumi navaviri. Vakanga vakanyorwa munhoroondo dzokuberekwa dzemisha yavo. Vatariri vamasuo vakapiwa mabasa avo nenzvimbo dzavo naDhavhidhi naSamueri muoni.

23. Ivo nezvizvarwa zvavo vaiva nebasa rokurinda masuo eimba yaJehovha, imba yainzi Tende.

24. Vatariri vamasuo vaiva kumativi mana, kumabvazuva, kumavirira, kumusoro nezasi.

25. Vanun'una vavo mumisha yavo vaiuya nguva nenguva vachizogoverana mabasa avo vachiita madzoro amazuva manomwe.

26. Asi vakuru vana pakati pavatariri vamasuo, vaiva vaRevhi, vakapiwa basa rokuchengetedza makamuri namatura epfuma muimba yaMwari.

27. Vaipedza usiku hwose vari panzvimbo dzavo vakapoteredza imba yaMwari, nokuti vaifanira kuichengetedza; uye vaiva nebasa rokuizarura mangwanani oga oga.

28. Vamwe vavo vaiva nebasa rokuchengetedza midziyo yaishandiswa muTemberi; vaiiverenga ichibuda voiverengazve yodzorerwa.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 9