Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 8:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Benjamini aiva baba vaBhera dangwe rake, Ashibheri mwanakomana wechipiri, Ahara wechitatu,

2. Noha wechina naRafa wechishanu.

3. Vanakomana vaBhera vaiva: Adha, Gera, Abhihudhi,

4. Abhishua, Naamani Ahoa,

5. Gera, Shefufani naHurami.

6. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaEhudhi vakanga vari vakuru vemhuri yeavo vaigara muGebha vakazodzingwa vakaendeswa kuManahati:

7. Naamani, Ahifa naGera, uyo akavadzinga uya aiva baba vaUza naArihudhi.

8. Vanakomana vakaberekerwa Shaharaimi muMoabhu mushure mokunge arambana navakadzi vake Hushini naBhaara.

9. Nomukadzi wake Hodheshi akabereka Johabhi, Zibhia, Mesha Marikami,

10. Jeuzi, Sakia naMirima. Ava ndivo vaiva vanakomana vake, vakuru vemhuri.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 8